Nhaurirano dzeZanu-PF neMDC Dzinotanga Zvakare.

  • Blessing Zulu

PM Morgan Tsvangirai (L) and President Robert Mugabe (R) are pictured at Zimbabwe International Investment Conference in Harare, 09 Jul 2009

Nhaurirano pakati pemapato maviri eMDC neZanu-PF dzakatanga neChishanu manheru muHarare. Izvi zvinotevera kurudziro yeSouth Africa iyo iri kuti iri kuda kuona zvinhu zvichifamba nechimbichimbi.

Asi nhaurirano hadzina kure kwadzakanyanyoenda sezvo munyori mukuru muMDC, VaTendai Biti, uye VaNicholas Goche veZanu PF, vasina kukwanisa kupinda mumusangano uyu.

Mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, ndivo vari kuedza kuyananisa gakava rezvematongerwo enyika riri muZimbabwe.

Nyaya dziri kutarisirwa kutaurwa nezvadzo inyaya dzakasarira dzakaita sedzekugadzwa kwemagavhuna ematunhu, gavhuna webhanga guru renyika, muchuchusi mukuru wehurumende, uye kutoreswa mhiko kwaVaRoy Bennet semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, inotiwo iri kuda kuti mapazi ezvemukati menyika, Home Affairs pamwe nerekudyidzana nedzimwe nyika- Foreign Affairs, avandudzwe.

Asi mapato eZanu-PF ichtsigirwa neMDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, ari kuti zviripo zviri kushanda zvakanaka nekudaro mapazi maviri aya haafanire kuvandudzwa mashandiro awo.

Nhaurirano dzatanga idzi dziri kutarisirwa kupera neSvondo kuitira kuti mapato aya abude negwaro neMuvhuro rezvinenge zvabuda. Gwaro iri richapihwa vatungamiri vatatu vemapato ari muhurumende, avo vachazozeya zvabuda vozozvipira kuna VaZuma.

VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti VaMugabe ndivo vakabata makiyi muZanu-PF sezvo chavanenge vada ndicho chinoitwa.