Nhaurirano dzeMapato Dzirikukokerwa naVaMnangagwa Dzotangazve Nhasi Pasina VaChamisa

  • Blessing Zulu

VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Makomiti mana akaumbwa svondo rapera nemapato ezvematongerwo enyika akapinda musangano wekugadzirisa matambudziko ari munyika wakashevedzerwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, ari kutarisirwa kutanga basa nhasi kuburikidza nekuita misangano.

Makomiti mana aya anoti yekutanga inoona nezvekuumbwa kwehwaro hwenhaurirano, yepiri iri yedingindira rezvichazeyiwa munhaurirano idzi.

Komiti yetatu yakanangana nekudoma muyananisi achatungamira nhaurirano, kwozoti komiti yechina, ichange ichiona nezvemafambiro anenge achiita nhaurirao pamwe nekukomekedza zvinofanirwa kuteverwa.

Pamusangano wekutanga, vatungamiri vemapato anosvika makumi maviri kusanganisira reZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, vakapinda musangano uyu.

Asi pamusangano wepiri, vatungamiri vemapato matatu vanoti VaNoah Manyika veBuild Zimbabwe Alliance, VaDaniel Shumba veUnited Democratic Party, pamwe naVaTimothy Chiguvare vePeople's Progressive Party, havana kupinda.

Mutevedzeri wemutungamiri weMDC-T inotungamirirwa naMuzvare Thokozani Khupe, VaObert Gutu, vanoti kutanga basa kwemakomiti aya ndiyo nhanho yekutanga munhaurirano dzichaunza kugadzikana mukati menyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Doctor Pedzisayi Ruhanya vanoti nhaurirano dzisinawo mutungamiri weMDC VaNelson Chamisa kutungana kwembudzi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaObert Gutu