America Inorangarira Doctor Martin Luther King Junior

Dr Martin Luther King

America nemusi weMuvhuro yakarangarira Mufundisi airwira kodzero dzevanhu, Doctor Martin Luther King Junior avo vakaurawa muna 1968.

Doctor King vakapiwa mubairo weNobel Peace Prize muna 1964 nekurwira kodzero dzevanhu pasina zvekurwisana,

Mudzidzisi weInternational Relations paState University of California kuChico muAmerica, Doctor Angela Gapa, vanoti kuti Doctor King vapihwe zuva rekuzorora nehurumende yeAmerica, chiratidzo chekucherechedzwa kwemabasa akanaka avakaita vari mupenyu.

Doctor Gapa vanoti zvidzidziso zvakasiyiwa naVaMKingzviri kubatsira vanhu nenyika zhinji mumashandiro avo nevamwe uye VaKing vakaratidza kuti munhu anogona kuchinja pfungwa dzevamwe pasina zvekurwisana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naDoctor Angela Gapa