Chikwata cheTyson Wabantu Movement Chobuda Pachimire

VaSavior Kasukuwere vaive gurukota muhurumende yevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Chikwata chitsva chevechidiki chinozviti Tyson Wabantu Movement chinoti chirim kupinda munyaya dzematongerwo enyika mushure mekuona kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kune vechidiki munyika.

Chikwata ichi chinoti chakawirirana kuti chitungamirwe naVaSavior Kasukuwere, avo vaimbove gurukota muhurumende yevaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Chikwata ichi chinoti chiri kurwadzikana zvikuru nekushupika kuri kuita vechidiki, nokudaro chiri kukurudzira vechidiki munyika kuti vabatane nacho.

Studio7 yabata VaKasukuwere mbune parunhare avo vati ichokwadi kuti vechidiki vari kuda kuti vavatungamirire, asi havana kuda kubuda pachena kana vakatambira chikumbiro ichi.

VaKasukuwere, avo vanozivikanwa kuti vaive muchikwata cheGeneration 40 munguva yaVaMugabe, vari kunze kwenyika vari muhupoteri mushure mukusawirirana nevakuru vakuru vari muhurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Svondo rapera Zanu PF yakabuda nechisungo chekuti chikwata che G40 chionekwe semhandu yenyika.

Izvi zvakaitika mushure mekubuda kwemashoko ekuti G40 yainge youmba bato richakwikwidza musarudzo dzichaitwa muna 2023.

Vakafanobata chigaro chemutauriri weTyson Wabantu Movement, Va Ntokhozo Msipha, vanoti Tyson Wabantu Movement haisati yave bato, asi hurongwa hwavari kushandisa mukupinda muvanhu, uye vacharamba vachikurudzira vechidiki kuti vabatane navo mukuumba hurongwa huchatora matomhu munyika pachaitwa sarudzo.

VaMsipha, avo vari muSouth Africa pari zvino, vanoti vane nhengo dziri mumatunhu ose enyika, uye Zanu PF yava kuzviziva izvo zvakapa kuti ibude ichishora G40.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNtokhozo Msipha