Nestle-Zimbabwe Inovharwa neVaridzi Vayo Vatsamwiswa neHurumende

  • Blessing Zulu

Kambani yeNestle-Zimbabwe yambovharwa nevaridzi vekambani iyi zvichitevera kutyisidzirwa kwevakuru vekambani iyi nemakurukota ehurumende ari kudivi reZanu-PF uye vamwe vakuru vemapurisa.

Kambani iyi yakaramba kutenga mukaka kubva kupurazi reGushungo Dairy Estate zvichitevera kunyunyuta kukuru kwakaitwa nevanorwira kodzero dzevanhu, avo vari kufara nematorerwo akaitwa purazi iri nemhuri yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Izvi zvinonzi zvakapa kuti gurukota rezvevechidiki, VaSaviour Kasukuwere, gurukota rezvekurima, VaJoseph Made, vakuru vemapurisa Chief Superintendent Chrispen Makedenge naDetective Inspector Henry Sostein Dowa, vaende kunovhundutsira vakuru vekambani iyi.

Chikwata ichi chinonzi chakasiya rori ine mukaka chikati vakuru vekambani iyi vautenge. Pakaramba vakuru vekambani iyi kuita izvi, vakabva vaendeswa kukamba yemapurisa.

Hurumende neChitatu yakaita musangano wechimbichimbi, uyo wakapindwa negurukota rezvemaindasitiri, VaWelshman Ncube, pamwe naVaKasukuwere. Hapana ari kuziva zvakabuda mumusangano uyu.

Mutauriri we Nestle-Africa, Amai Brinda Chiniah, vanoti vachaedza kutaurirana nehurumende.

Asi VaKasukuwere vanoti kambani iyi yakanyangira yaona nekuda kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika. Vanhu vanodarika mazana maviri havana mabasa zvichitevera danho rakatorwa neNestle - Zimbabwe. Hazvisati zvozivikanwa kuti vashandi ava vachaitwa seyi.