Hurumende Yokurudzirwa Kurambidza Zvikoro Kudzinga Vana Vanoshaya Mari yeDzidzo

Mutauriri wesangano reNational Consumer Rights Association (NACORA), Muzvare Lindiwe Pilime.

Sangano rinorwira kodzero dzevatengi, reNational Consumer Rights Association, kana kuti NACORA, riri kukumbira hurumende kuti ione kuti hapana mwana wechikoro anodzorerwa kumba pamusaka pekusabhadhara mari yechikoro panovhurwa zvikoro neChipiri.

Mutauriri weNACORA, Muzvare Lindiwe Pilime, vanoti zvikoro zvese kubva kune zvehurumende, zvemakanzuru, zvemakereke pamwe nezvakazvimirira, zvakakwidza mari dzechikoro asi vashandi vasina kuwedzerwa mihoro yavo.

Muzvare Pilime vanoti izvi zvichakonzera vabereki vakawanda kuti vatadze kubhadharira vana vavo mari dzechikoro.

“NACORA iri kuti mari dzevana vechikoro dzanyanya kukwidziswa zvisingaiti. Vabereki havakwanisi kubhadhara school fees. Zvikoro zvizhinji zvinoti mwana anotungamidza bepa rehumbowo kuti mari yechikoro yakabhadharwa asati apinda muchikoro, saka zvichareva kuti vana vakawanda havasi kupinda mavanodzidzira,” Muzvare Pilime vanodaro.

Mugwaro ravabudisa rapiwa vatori venhau, sangano iri rinoti rine zvinhu zvishanu zvarinoda kuti zviitwe nehurumende, zvinosanganisira kupindira kwehurumende kuti vana vechikoro vasadzingirwa mari yechikoro.

Sangano iri rinotizve rinokumbira kuti hurumende nemasangano ekunze anobatsira, vabatsire vana vezvikoro nezvekudya.

Sangano reNACORA rinoti hurumende inofanira kutarisawo nyaya yezvemari yechikoro uye kuti idzike mitemo yekuchengetedza kodzero dzevana kuti vawane dzidzo yavanofanirwa kuwana.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Lindiwe Pilime