Mhuri dzinosvika zana dziri kugara pachena kwaMutare, mushure mekunge misha yadzo yaparadzwa nedutumupengo svondo rapera, iro rakasiya dzimba zhinji dzisisina matenga, dzimwe midhuri yawondomoka
Dutumupengo rakarova misha inogara veruzhinji maMutare, rakasiya hana dzevakawanda dzichirova sepanoridzwa ngoma, zvichitevera kuparadzwa kwakaitwa matenga edzimba dzavo.
Nzvimbo dzakawirwa nedambudziko iri, dzinosanganisira misha inogara veruzhinji inoti Dangamvura, Hobhouse, Chikanga neDreamhouse. Kana kukanaya, midziyo yevanhu iri kunaiwa, kunyange hazvo vamwe vari kushandisa mapurasitiki nematende kudzivirira midziyo yavo.
Mumwe mugari wekuHobhouse Three, Amai Portia Chifamba, vanoti mudhuri wemba yavo wakadonha wose, marata akaparara. Amai Chifamba vanoti pari zvino vakangokwanisa kuvaka pakare mudhuri weimba yavo, asi zvekupfiririsa zvichiri kunetsa zvekuti kukanaya, zvinhu zvavo zviri kurohwa nemvura zviri pamhene.
Muvakidzani waAmai Chifamba, Amai Naomi Sunhwa, vari kuchemawo nerekuti pakadonha mudhuri wemba ya Amai Chifamba, wakanowira paimba yavo, ukasiya marata aputsika. Vanoti pari zvino mumba mavo muri kungopinda mvura painonaya, sezvo vasina mari yekutenga maasibhesitasi.
VaNelson Mupopa, avo vanorarama nekuruka zvinhu vachizvitengesa, vanoti vari kukumbira rubatsiro rwekuti vakwanise kuwana mamwe marata ekupfiririsa imba yavo. VaMupopa vanoti mari iri kunetsa kuwana mazuvano, uye nebasa ravo, havaoni vachikurumidza kuwana mari yekutenga marata matsva.
Kanzura wenzvimbo iyi, VaNoel Nezomba, vanoti mhuri idzi dziri panguva yakaoma, sezvo pasina kwekuti vawane mamwe marata ekufukidza dzimba dzavo. Vanoti panguva ino vamwe vavo vari kutsvaga chero chekuisa pamusoro pedzimba dzavo. Vanoti vari kutarisira kuwana rubatsiro kubva kumasangano akazvimirira oga, kuitira kuti mhuri idzi dziwanirwe zvekufukidza matenga edzimba.
Ambuya Lilian Vhirindi Chikomo, avo vanogara muDangamvura, vanoti midziyo yavo iri pachena, uye imwe yacho yakatofa. Ambuya ava vanoti havashandi uye vanoriritira vazukuru gumi nemumwe pachavo, nokudaro hapana kwavanowana mari.
Mumwe mudzimai ane tsiye nyoro, Amai Zorodzai Muyengwa, vanoti vari kuchengetera vamwe vavakidzani vavo midziyo, kuitira kuti isaparadzwe nemvura.
Kanzura we Ward Seven muDangamvura, Amai Attalia Gweru, vanoti vamwe vemhuri idzi vari kurara panze, vamwe vachipihwa pekurara nevavakidzani, kana hama dzavo.
Nyanzvi dzinoti mhepomupengo yakaitika svondo rapera, hayaifanirwa kunge yakaputsa matenga edzimba, dai matenga aya, akange akavakwa nenzira kwayo. Nyanzvi idzi dzinoti, nepamusana pekuti vanhu havana mari yekunyatsovakisa dzimba nematenga akasimba, zviri nyore kuti dzimba idzi dziwondomoke kana mvura ikanayisa inenge iine dutu mukati rakasimba.
Kudzamara mhuri dzinotambura dzawana vangadzibatsira nekukasika, vazhinji vavo vacharamba vachirara pachena, vana vadiki vachirohwa nemhepo, kunaiwa, pamwe nekurumwa nehumhutu, izvo zvinozoita kuti hutano hwavo husamire zvakanaka.