VaPatson Moyo vanoti ndivo sachigaro veDynamos
Vanhu vari kuburitsirana makano muDynamos izvo zviri kupa kuti mvongamupopoto iri muchikwata ichi, irambe ichienderera mberi pakati pevatungamiri vechikwata cheDynamos.
Muchikwata ichi mune makakatanwa makuru pamusoro penyaya yekuti ndiyani sachigaro vechikwata ichi.
Vamwe vasiri kutsigi sachigaro wechikwata ichi, VaPatson Moyo, vanoti VaMoyo, sekuziva kwavo, havachiri sachigaro weDynamos, nokudaro havafanirwa kuva nechekuita nechikwata ichi.
Asi VaMoyo vanoti ndivo vachiri pachigaro ichi, nokudaro hapana ane masimba ekuvadzinga muchikwata ichi.