Muzvinafundo Madhuku Voshora Kuvandudzwa kweBumbiro reMitemo

  • Blessing Zulu

Muzvinafundo Lovemore Madhuku

Mutungamiri weNational Constitutional Assembly, Muzvinafundo Lovemore Madhuku, avo vari mugungano rePolitical Actors Dialoge kana kuti POLAD, vari kushora zvikuru hurumende nedanho rekuda kuvandudza bumbiro remitemo vachiti izvi zvinofanira kutanga zvabva kuvanhu.

VaMadhuku vanoti bumbiro remitemo harifanirwe kuchinjwa nehurumende inenge ichitonga sezvo zvichiratidza pachena kuti hurumende iyi inenge yava kuda kuita zvido zvayo pabumbiro rakabva muvanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaLovemore Madhuku


Asi gurukota rinoona nezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vanoti hapana chakaipa pane zviri kuitwa nehurumende zvekuvandudza zvikamu zvine chekuita nekudomwa kwevatevedzeri vemutungamiri wenyika, kuwedzerwa kwemakore evatongi vanenge vasvika makore ekuenda pamudyandigere, uye kuda kuvandudzwa kudomwa kwevachuchusi vakuru vehurumende.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Ziyambi Ziyambi


Vanopikisa hurumende vanoti zviri kuda kuitwa izvi zvakanangana nekuda kupa masimba akawanda kumutungamiri wenyika.