WASHINGTON —
Muzvare Thokozani Khupe avo vachangobva mukukundwa musarudzo dzekongiresi yechimbi chimbi yakaitwa nemusi weSvondo nebato ravo reMDC-T vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti vabatwa nechirwere cheCovid-19 uye vakumbira vanhu kuti vavanamatire.
Mutevedzeri wemutauriri webato reMDC-T VaKhalipani Phugenu vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti Muzvare Khupe vabatwa nechirwere ichi.