Muzvare Nyaude Vozviitira Bhizimisi Ravo kuSouth Africa

Muzvare Nancy Nyaunde

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro na Muzvare Nancy Nyaunde

Muchirongwa chinotarisa zviri kuitwa pamwe nezvinosangana nevechidiki muhupenyu hwavo, Evans Zininga weStudio 7 akaita hurukuro naMuzvare Nancy Nyaunde, muzvinabhizinesi kuCapetown, South Africa.

Muzvare Nancy vanotengesa zvinoshandiswa nevanogadzira midziyo ye magetsi muchitoro chavo chavakatanga kuSouth Africa.

Vanoti vakabva muZimbabwe makore matatu apfuura kuti vanotsvaga basa ku South Africa asi kunetsa kwaiita mabasa ndiko kwakavapa pfungwa yekutanga bhizinesi ravo.