Muzvare Mahere Vopihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso

Advocate Fadzayi Mahere

Mutauriri webato guru rinopikisa reMDC Alliance, muzvare Fadzayi Mahere, avo vari kupomerwa mhosva yekuburitsa manyepo padandemutande reTwitter neMuvhuro vakabhadhariswa mari yechibatiso zviuru gumi zvemadhora emadhora emar yemuno kuti vatongwe vachibva kumba.

Vachipa mutongo wavo, mutongi VaTrynos Utahwashe, vati havabvumirani nevachuchusi panyaya iyi kuti Muzvare Mahere vanogona kupara mhosva zvakare kana vakatongwa vachibva kumba uye kuti vanogona kutiza nyaya yavo isati yanzikwa vachiti magwaro avo ekufambisa anotori namabharani wedare pane imwe nyaya iri kudare iri.

Vatiwo segweta Muzvare, Mahere vakazvipira kumapurisa apo vakaziva kuti vamwe vavo vanoti mutori wenhau, Hopewell Chin’ono nemutevdzeri wasachigaro webato ravo VaJob Sikhala vainge vasungwa nekuda kwenyaya imwe cheteyo.

VaUtahwashe vati vaona Muzvare Mahere vari musungwa anokodzera kupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba.

Muzvare Mahare vanziwo vagare pakero yavakapa muHarare uyewo kuti vamhan’are kumapurisa ekuAvondale kamwe chete pasvondo.

Vanziwo vasataure nevafakazi panyaya iyi.

Kunyange hazvo Muzvare Mahere vanzi vatongwe vachibva kumba, Chin’ono naVaSikhala vakanyimwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiriri weMDC Alliance, VaTendai Biti, avo vange vari mudare neMuvhuro vati zvinofadza kuti kune vamwe vatongi vachiri kuita basa ravo nemazvo.

VaBiti vati vanovimbva kuti Chin’ono naVaSikhala vachipihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare repamusoro.

Vaviri ava vanotarisirwa kukwidza chikumbiro chavo kuHigh Court svondo rino. Nyaya yaMuzvare Mahere ichadzoka kudare zvakare musi wa23 Kukadzi.

Mune imwewo nyaya, dare ramajisitiriti, ratadza kunzwa chikumbiro chevachuchusi chekuti dare rigure mutongo wekubhadharisa meya weHarare vakamiswa basa, VaJacob Mafume , mari yechibatiso nechikonzero chekuti vanogona kuramba vachitaura nevafakazi panyaya yavari kupomerwa yehuwori.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Godwin Mangudya