Mutumbi waAmbassador Trudy Stevenson Wosvika muNyika Nhasi

  • Blessing Zulu

Amai Trudy Stevenson

Mutumbi waAmbassador Trudy Stevenson avo vakashaya kuSenegal nemusi wa24 Nyamavhuvhu uri kutarisira kusvika munyika nhasi.

Amai Stevenson ndivo vaimirira Zimbabwe kuSenegal neGambia. Mwanakomana wavo VaGraham Stevenson audza Studio 7 kuti nemusi weChishanu vanhu vachaungana pakereke yeOur Lady of the Wayside Catholic Church kuMt Pleasant muHarare kutanga na10 mangwanani vachinekena kekupedzisira nemufi.

Amai Stevenson vakamboita nhengo yedare reparamende uye vakambodzidzisawo paArundel muHarare.

Vakasarudzwa kumirira Zimbabwe kuSenegal muna 2010 panguva yehurumende yemubatanidzwa vakamirira bato re MDC inotungamirwa naMuzvinafundo Welshaman Ncube.

Mutauriri webato reMDC yaVaNcube VaKurauone Chihwai vanoti Zimbabwe yarasikirwa nemunhu aigona kushanda nevamwe murunyararo uye ainge akazvipira kushanda nemapato ose.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKurauone Chihwai