Mutori weNhau Zenzele Ndebele Oregererwa neDare paMhosva Yekuti Aive neZvombo

  • Taurai Shava

Mumwe mutongi wedare muBulawayo arasa nyaya yange ichipomerwa mutori wenhau Zenzele Ndebele.

Mutongi wedare ramejastiriti VaFranklin Mkhwananzi vabvuma chikumbiro change chaitwa negweta raNdebele chekuti nyaya yake isatombonzwikwa zvachose mudare vachiti hapana chinoratidza kuti akatyora mutemo.

Zenzele akasungwa nezuro mushure mekunge anzi aive awanikwa aine zvigaba zvakashandiswa zvehutsi hunokachidza kana kuti teargas canister. Akasungwa paState House yemuBulawayo apo paiitwa musangano pakati pemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevemasangano akazvimirira muBulawayo.

Ange achipomerwa mhosva yekutyora zvikamu zvemutemo weCriminal Law Codification and Reform Act izvo zvinorambidza kuti munhu asave nezvombo zvinogona kukuvadza vanhu kana kuti kuita zvinhu zvinokanganisa runyararo.

Asi VaMkhwananzi vatora nguva yavo vachitsanangura zvinotaurwa nemutemo panyaya yekuwanikwa munhu aine zvombo zvinogona kukuvadza kana kuuraya uye mhosva yezvinhu zvinogona kukanganisa runyararo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Taurai Shava

Muchuchisi VaNkathazo Dlodlo vange vasimba nerekuti nyaya yaNdebele inofanirwa kunzwikwa mudare nekuti ane mhosva.

VaSithole vati kunyange hazvo nyaya yaNdebele yaraswa havazi kufara nekuti angadai asina kumbobvira asungwa.

Ndebele mukuru wesangano rinoburitsa nhau painternet reCentre for Innovation and Technology kana kuti CITE.