Mutori weNhau Omiswa Mudare Achipomerwa Mhosva yeKukonzera Mhirizhonga

  • Blessing Zulu

VaBamu, VaAmisi, Muzvare Shoko, VaMashungu. (Mufananidzo kubvakuna VaKumbirai Mafunda)

Mumwe mutori wenhau, Doubt Asima, uyo akaburitswa pamufananidzo achibatsira vamwe ambuya vainge varohwa nemapurisa muHarare paida kuratidzira bato reMDC muna Nyamavhuvhu, amiswa pamberi pedare ramejastiriti achipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga pasi pemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act.

Asi Amisi ari kuramba mhosva iyi kuburikidza nemagweta ake ari kumumirira anoti VaJeremiah Bamu naMuzvare Fabian Shoko veZimbabwe Lawyers for Human Rights .

Mumwe amiswa pamberi pedare iri ndi VaFabian Mashungu avo vaudza mutongi wedare, VaRichard Ramaboea, kuti vakasungwa nemapurisa vachizvifambira havo muguta.

Asi vachuchusi vehurumende vati vaviri ava vakakonzera mhirizhonga musi wa 16 Nyamavhuvhu vachivhara migwagwa nekukanda matombo.

Vamwe vanhu makumi maviri nevana vakasungwa mukuratidzira musi uyu, vari kutarisirwawo kumiswa pamberi pematare.

Nyanzvi munyaya dzekuburitswa kwemashoko dzinoti hurumende iri kushandisa mitemo yechinyakare mukushungurudza vatori venhau isingavandudze mitemo iyi sezvakabvumiranwa pakanyorwa bumbiro remitemo yenyika iro rakatanga kushanda muna 2013.

Asi gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vanoti hurumende iri kuyedza nepose painogona napo kuvandudza mitemo ine chekuita nekuburitswa kwemashoko.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naAmai Monica Mutsvangwa


Asi mukuru weMedia Institute of Souther Africa - Zimbabwe Chapter, VaTabani Moyo, vanoti hurumende iri kuita hwakamba pakuvandudza mitemo inobata vatori venhau.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTabani Moyo