Mutori weNhau, Jonisayi Maromo, Otaura Kurwara Kwake neCovid-19

  • Blessing Zulu

Jonisayi Maromo

Mumwe mutori wenhau, Jonisayi Maromo, uyo anoshandira Africa News Agency muPretoria kuSouth Africa, anoti ari kufara kuti akakwanisa kupora kubva muchirwere cheCovid-19.

Maromo munhu ari pakati pevanhu vanonzi nenyanzvi munyaya dzezvehutano vari munjodzi huru yekufa nechirwere ichi kana akachibata sezvo akamborwara nechirwere chemabayo achitadza kufema zvakanaka makore maviri apfuura.

Maromo anoti akatanga kunzwa semunhu aida kuita chikosoro asi pazvakaramba kupera akazofunga kuenda kunovhenekwa achibva azoonekwa kuti ainge aine chirwere cheCovid 19.

Pakurwara kwaakaita kutanga musi wa 8 Nyamavhuvhu, Maromo anoti kutadza kunyatsofema ndiko kwainyanya kumukanganisa nekumurwadza zvakanyanya.

MuSouth Africa, vanhu vanodarika zviuru mazana matanhatu zvine gumi nezvitatu, kana kuti 613, 000, vabatwa nechirwere ichi.

Vafa munyika iyi vanodarika zviuru gumi nezvitatu nemazana matatu nevasere, kana kuti 13, 308.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJonisayi Maromo