Mutori weNhau Judith Makwanya Oradzikwa kuWarren Hills

Muzvare Judith Makwanya

Mutori wenhau weZBC, Judith Makwanya, uyo akashaya neMuvhuro mushure mekurwara kwenguva pfupi, akaradzikwa kumarinda eHeores Acre muHarare nemusi weChina.

Vachitaura pakuradzikwa kwaMuzvare Makwanya, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana, avo vakataura vakamirira gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakati semutori wenhau, mufi ange akashinga uye aimira pachokwadi munyaya dzezvematongerwo enyika.

Asi mutungamiri webato reZimbabwe Development Party, VaKisinoti Mukwazhe, avo vanga varipowo pakuradzikwa kwakaitwa Muzvare Makwanya, vakati mushakabvu aifanira kupihwa ruremekedzo rwegamba renyika kwete kuradzikwa kumarinda eWarren Hills.

Mumwe wevatori venhau akashanda namushakabvu kwenguva yakareba, Reuben Barwe, akati aive munhu aisimba nezvaaifunga kuti ndizvo zvakanaka mumashandiro aaita mukutapa nhau zvakazoita kuti vatemerwe zvirango kana kuti masanctions.

Zvichakadai mashoko atiri kutambira anoti mumwe mutori wenhau weZBC, Desmond Duri aishandira kuMasvingo akashayawo zvakare. Hurongwa hwekuradzikwa kwake hausati hwaziviswa.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi