Mutevedzeri weGurukota reKuburitswa kweMashoko, VaKindness Paradza, Votaura neZvekupedza Mwedzi Vachirapwa Covid-19

  • Blessing Zulu

VaKindness Paradza Zanu PF

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaKindness Paradza, vanoti vakapedza mwedzi wapera wose vari muchipatara vachitadza kufema zvakanaka mushure mekubatwa nechirwere cheCovid-19.

VaPaadza vanoti vakabata chirwere ichi pamwe nemudzimai wavo mushure mekuenda kurufu rwehama yavo uye vanoti chakavaponesa inyaya yekuti vainge vabayiwa nhomba yeCovid-19.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzakatozivisa kare kuti kuungana parufu zviri kukonzerawo kupararira kwechirwere cheCovid-19 zvakanyanya.

Vanhu vari kukurudzirwa kuti kana vachichema mufi vasadarike makumi matatu.

Nyazvi munyaya dzezvehutano dzinotiwo mhando yechirwere cheDelta variant chiri muZimbabwe chinotapuriranwa zviri nyore uye mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati vari kushushikana nehuwandu hwevanhu vave kufa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaKindness Paradza