Mutengo weMafuta eKufambisa Dzimotokari Wowedzerwa Zvekare

  • Blessing Zulu

Zimbabwe Regulatory Authority kana kuti ZERA yazivisa kuti mutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari uri kuwedzerwa zvekare kutanga mangwana.

Dhiziri rawedzerwa nemasendi gumi nematanhatu kubva pamadhora gumi nemanomwe nemana kana kuti $17, 74 kusvika pamadhora gumi nemakumi masere nemasendi makumi mapfumbamwe kana kuti $17.90.

Peturu yawedzerwa nemasendi makumi matatu nemasere kubva pamadhora gumi nemasere nemasendi masere $17.07 kusvika pamadhora gumi nemasere nemasendi makumi mana nemana kana kuti $17,44.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa murimwe sangano remakombi reGreater Harare Association of Commuter Omnibus Operators VaDominic Bepeta vanoti kunyangwe vari kuomerwa nezvinhu, havakwanise kuwedzera mari dzimichovha nekuti vanhu vari kuomerwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDominic Bepeta