Benjani Mwariwari Otorwa neChikwata cheSunderland

  • Marvellous Mhlanga-Nyahuye

Mutambi wenhabvu ane mukurumbira munyika, uye achitambira chikwata cheZimbabwe Warriors, Benjani Mwariwari, ava kunotambira chikwata chitsva cheSunderland icho chiri muEnglish Premier League.

Mwariwari ange achitambira chikwata cheManchester City chemuBritain.

Mwaruwari achanotambira chikwata chitsva ichi mwaka uno wese, pasi pechibvumirano chezvikwata zviviri izvi. English Premier League yakatopa bvumo kuti izvi zviitike.

Vaimbove murairidzi vechikwata cheZimbabwe Warriors, VaCharles Mhlauri, vanoti kubudirira kwaMwaruwari kunofadza zvikuru sezvo kuri kusimudzira mureza wenyika pasi rose.

Chikwata chitsva chaMwariwari cheSunderland chiri panzvimbo yegumi netatu muEnglish Premier League umo mune zvikwata makumi maviri.