Mushure Mekuvimbisa Kuti Vatungamiri Havacharapwe Kunze, VaChiwenga Vonozvirapisa kuChina

  • Blessing Zulu

VaConstantino Chiwenga

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vanovazve gurukota rezvehutano vari kushorwa nevamwe vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu mushure mekunge vaenda kunorapwa kuChina.

Gore rapera VaChiwenga vakaudza vatori venhau kuti hurumende yainge yamira tsika yekupa vatungamiri kana makurukota mari yekuenda kunorapwa kunze kwenyika uye vakavimbisa kuti Zimbabwe inenge yave nezvipatara zvepamusoro soro zvinokwanisa kurapa makurukota kuti nyika isarasikirwe nemari yekunze yakawanda.

Asi bepanhau reWall Street Journal rinoti mazana nemazana evanhu akamanikidzwa kubuda mune imwe hotera muBeijing, China inonzi Legendale nemusi weChina mushure mekunge mumwe ainge aenda kunyika iyi naVaChiwenga abatwa nechirwere cheCovid-19.

Bepanahu iri rinoti VaChiwenga vari kurapwa chirwere chepahuro asi richiti pane mashoko ekuti havasi munjodzi yekubata chirwere cheCovid-19.

Asi rimwe bepanhau reNewshawk rinoti zvinhu zvinogona hazvo kunge zvisina kumira zvakanaka kuna VaChiwenga sezvo vamwe vanovachengetedza vatatu vakabatwa nechirwere ichi vasati vasimuka kuenda kuChina uye richiti semunhu agara achirwara rwara, zviri kuitika zvinopinza hupenyu hwavo munjodzi huru.

Kunyangwe VaChiwenga vari kurapwa kunze, mudzimai wavo wavari kurambana naye Muzvare Mary Mubayiwa vakarambidzwa kuenda kunorapwa kunze nematare.

Studio 7 yatumira mibvunzo kumunyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana asi vange vasati vaipindura pataenda pamhepo.

Asi tabata mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko mubato rezanu-PF VaTafadzwa Mugwadi avo vati VaChiwenga vanogona kunge vakaenda havo kumisangano nevatungamiri venyika yeChina sezvo iri kubatsira Zimbabwe nenhomba dzeCovid-19.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi

Asi mutevedzeri wemutauriri webato reMDC Alliance VaClifford Hlatywayo vanoti zvinhu zvinonyadzisa kuti VaChiwenga vaende kunze vachitadza kugadzirisa zvipatara zvemunyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaClifford Hlatywayo