Munhu Mumwe Chete Chete Ofa neCOVID-19 Mukati meVhiki Rose muNyika

  • Blessing Zulu

Bazi rezvehutano rakazivisa kuti nemusi weSvondo hakuna munhu ange afa nechirwere cheCovid-19 munyika zvichireva kuti mukati memazuva manomwe, kwafa munhu mumwe chete uyo akasha neMugovera kuBulawayo.

Izvi zvave kureva kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi munyika huchiri pamazana maviri nemakumi maviri nemashanu kana kuti 225. Vafa vakawanda vari pamakore ari pakati pemakore makumi mana kana kuti 40 kusvika pamakumi masere kana kuti 80.

Nemusi weSvondo, vanhu gumi nemumwe vakabatwa nechirwere ichi munyika uye vose havana nhoroondo yekumboshanya kunze kwenyika. Vanhu vabatwa nechirwere ichi vave zviuru zvinomwe nemazana matanhatu ane makumi masere nevatatu kana kuti 7,683.

Asi vamwe vanhu gumi vakapora neSvondo zvichireva kuti vapora vose vave zviuru zvishanu nemazana mapfumbamwe ane makumi maviri nevana kana kuti 5,924. Vanhu vari kurwara vanosvika chiuru chimwe chete nemazana mashanu ane makumi matatu nevana kana kuti 1,534.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzehutano reCommunity Working Group on Health VaItai Rusike vanoti nyaya yekuti zvikwanisiro zvekuvheneka chirwere ichi inogona kunge ichipawo pfungwa yekuti vashoma vari kubatwa nechirwere ichi asi vachigona kunge vakawanda.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaItai Rusike