Mumwe Murume Ofa Achida Kubatsira Vanhu Vanodarika Makumi Matatu Vakadhirikirwa neMugodhi kuBindura

  • Blessing Zulu

Mughodhi weRan Mine (Mufananidzo naNunurai Jena)

Munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vanyora padandemutande ravo reTwitter kuti mumwe munhu akadonhera mumugodhi paRan Mine kuBindura neMugovera uye ari kutyirwa kuti akafa.

Munhu uyu aibatsira kuyedza kununura vanhu vari kunzi vari pakati pemakumi matatu nemakumi mana vari kutyirwa kuti vakafira mumugodhi uyu uyo wakadhirika nechitatu svondo rapera.

Vanhu vatanhatu chete ndivo vakaburitswa vari vapenyu. Basa rekuburitsa vamwe vanhu riri kuenderera mberi kunyangwe zviri kunetsa nenyaya yemvura nematombo akavhara mugodhi uyu.