Mumwe Mudzimai Ofira paBeitbride Apo Vanhu Vopedza Mazuva Vasati Vadhindirwa Magwaro eKufambisa

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka pamuganhu weZimbabwe neSouth Africa sezvo motokari nemabhazi zviri kupedza mazuva anosvika mashanu vari mumutsetse vakamirira kudhindhirwa magwaro avo ekufambisa.

Izvi zvinonzi zvakazokonzera kushaya kwemumwe mudzimai ku Beitbridge ari mubhazi achienda kuHarare.

Mudzimai uyu anonzi akatanga nekufenda asati azofa kunyangwe vannhu vainge vari mubhazi vakayedza kumubatsira. Vanhu vakawanda vanonzi vatarisana nedambudziko rekushaya mvura yekunwa uye kuBeitbridge kunonzi kuri kupisa zvakanyanya.

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa serimwe danho rekuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 vakamboti mabhodha akurumidze kuvharwa izvo zvopa kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo apo vanhu vakawanda vari kudzokera kumusha kubva kuSouth Africa.

Asi hurumende yeSouth Africa inonzi yatenderana neZimbabwe kuti vasavhare bhodha.

Mukuru wesangano revanotenga nekutengesa zvinhu kunze kwenyika kana kuti International Cross Border Traders Association VaDennis Juru vanoti nyayawo yekuti pari kudiwa matsamba ekuti munhu akavhenekwa Covid-19 iri kupawo kuti zvinhu zvitonyanya kunonoka kufamba paBeitbridge.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDennis Juru