Mukuru weBulawayo Polytechnic Engineer Gilbert Mabasa Vanoshaya neChirwere cheCovid-19

  • Blessing Zulu

Engineer GILBERT MZENZI MABASA

Mukuru wechikoro cheBulawayo Polytechnic Engineer Gilbert Mabasa vakashaya nechirwere cheCovid-19 nemusi weChishanu manheru.

Engineer Mabasa vaizivikanwawo zvikuru nenyaya dzekuparidzavhangeri vainge vatungamira chikoro ichi kubva mun 2014.

Pavakabatwa nechirwere ichi mwedzi wapera, Engineer Mabasa vakazivisa vadzidzidzisi nevana vechikoro kuti vainge vabatwa nechirwere ichi uye vakapinda muchipatara musi wa 6 Nyamavhuvhu.

Muna Chikunguru, chikoro cheBulawayo Polytechnic chakambovharwawo mushure mekunge vadzidzi vatatu vabatwa nechirwere cheCovid-19.