Vamwe Voshora Zvimwe Zvakataurwa naVaMugabe kuUNGA

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Vanorwira kodzero dzevanhu muZimbabwe vanoti mashoko akataurwa nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, kumusangano we United Nations General Assembly neChina anoratidza kusanzwisisa uye anoburisa pachena kuti VaMugabe havana hany'a nekushungurudza kwavanoita vanhu mu Zimbabwe.

Nyanzvi munyaya dzemitemo uye vachishanda nesangano reHuman Rights Watch, VaDehwa Mavhinga, vanoti VaMugabe vanofanira kutanga kupinza runyararo munyika mavo vasati varwa hondo yekuuyisa runyararo munyika dzepasi pose nekuti runyararo hazvirevi kusavepo kwehondo kana kusarwisana nepfuti chete.

VaMavhinga vanotiwo hasha dzine mudzimai wemutungamiri wenyika hadziratidzi vanhu vanoda zverunyararo.

“Zimbabwe haina kodzero yekushora dzimwe nyika pamusoro pekushaika kwerunyararo nokuti muZimbabwe, vanhu havana kugara zvakanaka pamusaka pemitemo yaVaMugabe,” VaMavhinga vakaudza Studio 7.

Vakakuridzira VaMugabe kuti vadzidzise mauto nemapurisa kuti vazive uye kuti vachengetedze kodzero dzevanhu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDhewa Mavhinga