Mudzimai Akafa kuNational Sports Stadium Ovigwa neChipiri

  • Blessing Zulu

Mutungamiri weZIFA VaFelton Kamambo vanoti vari kushushikana zvikuru nekushaya kwemumwe mudzimai aive mutsigiri mukuru wemaWarriors, aizivikanwa nekuti Amai Tadiwa.

Mapurisa anoti Amai Tadiwa vanonzi vakatsikirirwa apo vanhu vaida kupinda munhandare umo Zimbabwe yakakunda Congo Brazaville 2-0 ichibva yabudirira kuenda kumakwikwi eAFCON kuEgypt.

Muna 2000 vamwe vanhu gumi nevaviri vakafa munhandare yeNational Sport iyi apo mapurisa akakanda hutsi hunokatyidza pamutambo weWorld Cup pakati peSouth Africa neZimbabwe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFelton Kamambo