Mutevedzeri weGurukota reZvekurima VaSeiso Moyo Vanoshaya

  • Blessing Zulu

VaSeiso Moyo

Mutevedzeri wegurukota rezvekurima, VaSeiso Moyo, vashaya neChishanu kuAvenues Clinic muHarare mushure mekurwara kwenguva pfupi pfupi.

VaMoyo vange vari mumiriri weNketa kuBulawayo mudare reparamende. Muna 2009 pakaumbwa hurumende yemubatanidzwa, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaramba kutoresa mhiko mubati wehomwe muMDC-T, VaRoy Bennett, semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

Mushure mekunetsana kwenguva yakareba pamusoro penyaya yaVaBennett, mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakazoguma vadoma VaMoyo avo vakatora mhiko yekuva mutevedzeri wegurukota rezvekurima gore rapera.

Kubva pavadomwa kuita basa iri, VaMoyo vaigara vakataura pamusoro penyaya dzekurima paStudio 7.

Mutauriri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti nyika yarasikirwa negamba.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora