Girl Child Network Yopindwa neRushambwa

Betty makoni

Mutungamiri weGirl Child Network, Muzvare Betty Makoni, vanoti havasi kuzosiya basa ravo sezviri kukurudzirwa nevamwe vavo vatatu vavanoshanda navo vari kuBritain, avo vari kuti pane zvisina kufamba zvakanaka mumashandisirwo emari musangano ravo.

Nyaya dzekusafambiswa zvakanaka kwemari idzi kwakabuda mushure mekunge Girl Child Network yaita kurudziro kuti vanhu vape mari dzekubatsira Taremedzwa Nomatter Mapungwana, kuti akanorapwa kuBritain.

Muzvare Makoni vanoti vakatoenda kumapurisa nekuti vari kufungira kuti pane vanhu vari kuda kuvabvisa zvechisimba musangano ravo. Vamwe vavanoshanda navo vanotiwo vakaendawo pamapurisa mamwe chetewo ku Southend-on-Sea ku Essex, vakanokurudzira mapurisa kuti aite ongororo pamusoro pemari idzi.

Asi Muzvare Makoni vanoti vacharamba vari pabasa ravo.