VaMnangagwa Vanoita Musangano neZvizvarwa zveZimbabwe muAmerica

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaita musangano masikati eSvondo nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica.

VaMnangagwa, avo vari kumusangano we United Nations General Assembly ku New York, vataura pamusoro pegwara ravo ravachatevera kwemakore mashanu anotevera, pamwe nekunzwa shuviro yezvizvarwa zveZimbabwe zviri mu America.

VaMnangagwa vataurawo pamusoro pekomisheni yavakaumba kuti iongorore mhirizhonga yakaitika musi wa Nyamavhuvhu 1, 2018, iyo yakasiya vanhu vanodarika gumi vakafa mushure mekupfurwa nemauto.

VaMnangagwa vati vari kuda kuziva zvakaitika pamwe nezvakazokonzeresa kufa kwevanhu.

Mumwe wevari kubatsira kuronga misangano yaVaMnangagwa muNew York, Doctor Frenk Guni, vanoti chizvarwa chose chekuZimbabwe chine kodzero dzekupinda mumisangano yaVaVaMnangagwa.

Asi MDC USA inotsigira VaNelson Chamisa inoti haisi kuzopinda mumisangano yaVaMnangagwa.

Mutevedzeri wemunyori anoona nezvekurongwa kwemisangano muMDC – USA, VaCharles Mutama, vanoti vari kuronga kuratidzira kuitira kuti pasi rose rizive kuti VaMnangagwa Havana kusarudzwa neruzhinji rwevanhu.

VaMnangagwa vari kutarisirwa kutaura kekutanga kumusangano weUnited Nations General Assembly nemusi Chitatu, Gunyana 26, 2018.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaFrenk Guni