VaMnangagwa Vokumbira Makambani Kuti Abatsire Kuvaka Zvivakwa Zvakaparadzwa

  • Thomas Chiripasi

President Emmerson Mnangagwa At State House

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakumbira vemabhizimusi kuti vabatsire mukuvaka zvikoro, zvimbuzi, dzimba, makiriniki nemigwagwa izvo zvakaparadzwa nemafashamu eCyclone Idai kuManicaland.

Vachitaura nevabhizimusi pachiitiko chaitirwa paState House, VaMnangagwa vakumbira vemakambani ari munyika kuti vabatsire kuvaka zvivakwa munzvimbo dzakawirwa nedambudziko remafashamu eCyclone Idai.

VaMnangagwa vati kunyange hazvo vari kufara nerubatsiro rwavari kuwana sehurumende kubva kuhurumende dzekunze, vedzisvondo, masangano anobatsira pamwe nevanhuwo zvavo, pane basa rakakura kwazvo rinotodawo vemakambani emuno kuti apindire.

Vakurudzira vemakambani kuti vasarudze zvikoro, migwagwa nemakiriniki zvavanoda kuvaka vozivisa hurumende yavo.

VaMnangagwa vati zvimwe zvikoro, kusanganisira dzimba dzevagari vakawirwa nedambudziko remafashamu, zvichanovakirwa pane dzimwe nzvimbo itsva kwete kuvaka panga pane zvikoro nedzimba idzi sezvo vachiti zvivakwa izvi zvinogona kuparadzwa nemafashamu kana akaita zvakare sezvo zvainge zvakavakirwa munzvimbo dzakadzikira dzinokurumidza kukanganiswa nemafashamu.

VaMnangwagwa vatiwo hurumende iri kushanda nevanamazvikokota kuti vaongorore kuti chii chaizvo chakakonzera mafashamu aya.

Vati vari kushamiswa nedzimwe mhando dzematombo akaonekwa muChimanimani avanoti haasati ozikanwa kuti matombo rudzii.

Vatiwo mamwe matombo makurukuru achakatsikirira vanhu uye sehurumende havana zvikwanisiro zvekuti matombo aya abviswe paonekwe kuti pane vanhu vangani vakatsikirirwa.

Gurukota rezvematunhu uye vari sachigaro wekomiti yehurumende iri kutungamira kubatsirwa kwevanhu vakasangana nedambudziko remafashamu, VaJuly Moyo, vatiwo zvakakosha kuti vemakambani vabatsirewo.

Kunze kwezvikoro, zvimbuzi, migwagwa nemakirinika, VaMoyo vatiwo pane zvakawanda zvinoda kuti zviitwe kuitira kuti hupenyu hwevagari vekuManicaland hudzokere pahwaiva mafashamu aya asati aitika.

Zvichakadai, vemabhizimusi vanga vari pamusangano uyu vavimbisawo kuti vachaita zvese zvavanokwanisa kuita mukubatsira hurumende kuitira kuti vanhu vakawirwa nedambudziko remafashamu iri varerukirwe nehupenyu.

Mumwe muzvinabhizimusi avo vanga vakamirira sangano revemabhizimusi vakaumba homwe yekubatsira vagari vekuManicaland ava iri kudaidzwa kuti “Reboot Fund,” VaShingi Munyeza, vati vatounganidza mari inodarika mamiriyoni makumi matatu nemanomwe emadhora.

Sachigaro wesangano renhabvu munyika rePremier Soccer League, VaFarai Jere, vati sangano ravo richavaka chikoro cheChimanimani Secondary kuti chidzokere pachaive uye vachaita zvese zvinodiwa pachikoro ichi.

Mutungamiri wekambani yeDoves, VaTalent Mazivisa, vatiwo kambani yavo ichavaka patsva zvikoro zvina munharaunda yeChimanimani.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Thomas Chiripasi