Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Ndira 07, 2019.

Misoro yeNhau

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Ndira 07, 2019.

Mapurisa nhasi ambosunga vatungamiri vesangano revarairidzi re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ vange vachiratidzira paAfrica Unity Square muHarare vachiti havasi kufara nemari dzavo dzemuhoro apo zvikoro zvovhurwa mangwana.

Makurukota ehurumende anosanganisa gurukota rezvemari, revashandi uye makurukota edzidzo voita musangano nevamwe vakuru vemasangano evarairidzi kuyedza kugadzirisa zvichemo zvavo zvinosanganisa nyaya yemihoro yevashandi.

Vabereki vochema chema nekudhura zvakanyanya kwemabhuku nemaunifomu apo zvikoro zvovhurwa mangwana.

Your browser doesn’t support HTML5

Shona Headlines


Zvinhu hazvina kugadzikana kuGabon uko mauto anonzi amboyedza kuda kupidigura mutungamiri wenyika iyi VaAli Bongo avo vari kurwara nechirwere chekuoma mutezo. Mauto aya anonzi ange achitevedzera zvakaitwa muZimbabwe pakapidigurwa hurumende yevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe.

Dynamos yotenga vamwe vatambi kuyedza kusimbisa chikwata ichi chakatatarika zvakanyanya mwedzi wapera.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyika vashandi vakawanda vachiti vave kuda kutambiriswa nemadhora ekuAmerica sezvo mari dzemaRTGS dziri kuramba dzichishaya simba.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave