VaMnangagwa Voenderera Mberi Vachiita Misangano kuChina.

Va Emmerson Mnangagwa,na Va Xi Jinping ku China.

Mutungamiriri we nyika, VaEmerson Mnangagwa, vari kuenderera mberi nemisangano yavo ku China vachitsvaga nzira dzekusimbaradza kudyidzana kwe China neZimbabwe munyaya ndzehupfumi.

VaMnangagwa vasangana nemutungamiri wehurumende yeChina, VaLi Keqiang.

Vachitaura pamusangano uyu Va Li vati vafara kuona VaMnangagwa vachishanyira China.

VaMnangagwa vaitawo musangano nasachigaro we National People’s Congress, VaLi Zhanshu. Vaendawo kumarinda anovigwa magamba emu China.

VaMnngagwa vapedza zuva ravo nekunoona muzinda we Huawei Communications uko vapihwa mari inoita zviuru mazana matatu zvemadhora yekutsigira chirongwa che Presidential Scholarship Fund

Muongorori wezvehupfumi vachishanda nesangano re Percycon Global Fund Managers, VaPersistence Gwanyanya, vanoti hazvina kuipa kuenda kunze nekupindawo misangano yakawanda yezvehupfumi asi, VaMnangagwa vanofanira kuziva kuti havangadzoki vasina chavakabata kunyika kuti zviratidze kuti mari yose inoshandiswa pakufamba kwavo ine zvairi kuunza munyika.

Vatiwo hazvingagoni kusiyanisa zvematongerwo enyika nezvehupfumi sezvinhu zvinofambidzana saka VaMnangagwa vanotobatanidza zvese kana vachifamba nenzendo dzavo kunyika dzekunze semutungamiriri wenyika.

VaGwanyanya vatiwo mari yapihwa VaMnangagwa sechipo kuhomwe ye Presidential Scholarship Fund chiratidzo chekuti Huawei iri kusimbisa hukama nekutsveterawo kuti irambe ichiwanawo mikana yebhizinesi munyika .

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaPersistance Gwanyanya