MISA Yotambira Mamwe Matanho eKuti Vanhu Vawane Kodzero yeMashoko

  • Blessing Zulu

Sangano rinoona nezvekodzero dzevatori venhau reMisa-Zimbabwe rinoti rinotambira kuburitswa kwematanho anotarisirwa kutorwa nevanhu kana vachida kuwana mashoko kubva kumapazi ehurumende pasi memutemo mutsva weFreedom of Information Act.

Mutemo uyu wakadzikwa mushure mekuvandudzwa kwemutemo weAccess to Information and Protection of Privacy Act kana kuti (AIPPA) wakavandudzwa gore rapera.

Asi MISA-Zimbabwe inotwo pane zvimwe zvirehwa rehwa zviri kuda kugadziriswa nekujekeswa. Hurumende yakaburitsa matanho aya kuburikidza negwaro rayo reGovernment Gazette mwedzi wapera zvapa kuti MISA-Zimbabwe iparure hurongwa hwekutenderera mumatunhu ichizeya nevagari nezvematanho aya.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakaudza Studio 7 kuti hurumende yakazvipira kuona kuti kodzero yevanhu munyaya dzekuburitswa kwemashoko yaremekedzwa.

Vanoona nezvemutemo uye humhizha nehumhetura mukufambiswa kwemashoko musangano reMISA-Zimbabwe Muzvare Nompilo Simanje vanoti vakapedza kuita misangano kuvatunhu vachasuma hurumende nechinangwa chekuyti zvigadziriswe.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukurio naMuzvare Nompilo Simanje