Bato reMDC neChishanu rakapeta musangano waro weNational Council muBulawayo richitsidza kuti harisi kuda zvehurumende yemubatanidzwa kunyangwe rakazvipira haro kuita nhaurirano dzekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.
Vachitaura nebepanhau reHerald, mutauriri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, VaGeorge Charamba, vakati nhaurirano dzose dzinofanira kuitwa pasi pegungano rePolitical Actors Dialogue, POLAD, rine mapato madiki mazhinji akakwikwidza musarudzo dzemutungamiri wenyika.
Asi mutauriri weMDC, VaFortune Daniel Molokele, vanoti zvePOLAD kutungana kwembudzi, uye bato ravo harisi kuzopinda muhurongwa uhu.
Vaimbova mutungamiri weSouth Africa, VaThabo Mbeki, avo vanga vari munyika svondo rino, vari kutarisirwa kudzoka munyika zvakare mwedzi unouya.
VaMbeki ndivo vakaita muyananisi muna 2008 zvichitevera gakava raivepo pakati pevaive mutungamiri weZanu PF panguva iyi, muchakabvu Robert Mugabe, nemutungamiri weMDC panguva iyi, muchakabvu Morgan Tsvangirai.
Nhaurirano idzi dzakaona hurumende yemubatanidzwa ichiumbwa pakati paVaMugabe, VaTsvangirai pamwe neVaArthur Mutambara vaive mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaFortune Daniel Molokele