MDC Yoshora Kudomwa kwaVaSilaigwana Kuti Vave Mukuru weSarudzo muZEC

  • Blessing Zulu

ZEC Chairperson Priscilla Chigumba

Bato rinopikisa reMovement for Democratic Change riri kuchema chema nekudomwa kwaVaUtoile Silaigwana semukuru anoona nezvesarudzo musangano reZimbabwe Electoral Commission, ZEC.

MDC inoti VaSilaigwana munhu akaendeswa kunoshandira kuZEC panguva iyo vaive nhengo yeZimbabwe National Army apo vaiona nezvesarudzo munyika kuti vave mukuru wezvesarudzo kana kuti chief elections officer.

VaSilaigwana avo vainge vakafanobata chigaro ichi vakazodomwa kuchitora musi wa 1 Chikunguru.

Bato reMDC rinoti VaSilaigwana vaive vaive mukomisheni yeZEC isina kuburitsa zvainge zvabuda musarudzo muna 2008 kwemavhiki mashanu zvakashorwa zvikuru neSADC neAfrican Union.

Asi mukuvadoma, sachigaro weZEC Amai Priscila Chigumba vanoti vane ruzivo uye nhoroondo yekubata nyaya dzesarudzo.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaGadzira Chirumanzu vanoti vanhu veMDC havadi kukundwa.

Vanoona nezvesarudzo mubato reMDC VaJacob Mafume vanoti VaSilaigwana vane nhoroondo yekubira sarudzo. Hatina kukwanisa kubata VaSilaigwana kuti tinzwe divi ravo sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJacob Mafume naVaGadzira Chirumanzu