MDC Yosarudza Vatungamiri kuManicaland

  • Blessing Zulu

VaNelson Chamisa

Bato reMDC riri kuita sarudzo dzakatarisirwa zvikuru nevakawanda mudunhu reManicaland.

Musarudzo dzakapedzisira kuitwa muna 2014, dunhu reManicaland ndiro chete rakadoma munyori mukuru webato iri VaDouglas Mwonzora kuti vakwikwidze chigaro chavainacho ichi mushure mekunge mamwe matunhu ose ati anoda VaChamisa.

VaMwonzora vakashura mare apo vakakunda VaChamisa musarudzo dzakazoitwa kukongiresi yakaitirwa muHarare.

Parizvino VaChamisa vadomwa nematunhu manomwe kuti vatungamire bato VaMwonzora nemumwe mutevedzeri mukuru webato iri VaElias Mudzuri vasina kudomwa kana nedunhu rimwe kuti vakwikwidze musarudzo.

Murongi webato VaAmos Chibaya vati sarudzo dzose dzavaita dziri kufamba zvakanaka uye hapana munhu ati anyora tsamba yenyunyuto sezvinodiwa nebumbiro achiti haasi kutambira zvakabuda musarudzo.

Mutauriri webato VaJacob Mafume vanoti havasi kuzoshaiswa hope neimwe nhengo yebato iri VaElias Mashavire vekuGokwe vakakwira kudare repamusoro vachiti sarudzo idzi dzimiswe sezvo vachiti dziri kutyora mutemo webato.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaJacob Mafume