MDC Yorangarira VaMorgan Tsvangirai

  • Blessing Zulu

VaMorgan Tsvangirai

Nhasi mhuri yeZimbabwe iri kubatana mukurangarira rufu rwaVaMorgan Tsvangirai avo vakambove mutungamiri wehurumende uye mutungamiri wekutanga webato guru rinopikisa reMDC.

VaTsvangirai vakashaya musi wa14 Kukadzi muna 2018 vave nemakore makumi matanhatu nemashanu kuchipatara chemuSouth Africa mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

Kunyangwe vakawanda vakakurudzira kuti vaitwe gamba renyika, izvi hazvina kutambirwa nehurumende zvakapa kuti vazoradzikwe kumusha kwavo kwaHumanikwa kuBuhera.

Mutauriri webato reMDC VaDaniel Molokela vanoti vari kurangarira VaTsvangirai kuMucheke Hall kuMasvingo uko mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa vari kutarisirwa kuve munyarikani.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Blessing Zulu