Mapurisa Ovhiringidza VaTsvangirai Kuita Misangano Yavo

  • Ntungamili Nkomo
    Blessing Zulu

MDC inotungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, inoti haisi kufara nezviri kuitwa nemapurisa ayo ari kurambidza VaTsvangirai kuita misangano yavo nevatsigiri vebato ravo muHarare.

MDC inoti vakuru vakuru vemapurisa vanotsigira Zanu PF ndivo vari kuita izvi. VaTsvangirai vakarambidzwa kuita misangano yavo muHarare svondo rapfura.

Mapurisa akaedza zvakare kuvhara musangano wavo wekuHighfields nechipiri, ukazoitwa hawo pamboitika makakatanwa.

Rimwe remakurukota maviri ezvemukati menyika, Amai Theresa Makone, vanoti mapurisa haafanirwe kukumbirwa mvumo pamisangano inenge ichiitwa naVaTsvangirai nevatsigiri vebato ravo.