Madzimai Matatu eMDC Alliance Ogariswa Mutirongo Kusvika neMuvhuro

MDC trio taken to prison

Madzimai matatu eMDC Alliance, Muzvare Joana Mamombe, Cecilia Chimbiri naNetsai Marowa, vachange vari mutirongo kusvika nemusi weMuvhuro apo dare richanzwa chikumbiro chekuti vatatu ava vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

Madzimai aya abva atakurwa kuenda kujeri remadzimai reChikurubi Female Remand Prison uko vachange vari kusvika neMuvhuro.

MDC trio being taken to remand prison

Izvi zvinotevera kusawirirana kwaita magweta evatatu ava nevachuchisi vehurumende pakuti vatatu ava vabvisiswe mari yechibatiso.

Hurumende yachitsika madziro ichiti vatatu ava havafanirwe kubvisiswa mari yechibatiso sezvo mhosva yavakapara iri hombe uye vakawanikwa vaine mhosva, vanogona kutongerwa kugara mujeri kwemakore asingapfuure makumi maviri.

Vachuchisi vatiwo nekuda kwezvavakaita, vatatu ava vakasvibisa chimiro chenyika izvo zvave kuvhiringa mikana yekuti isimukire panyaya dzehupfumi.

Vatiwo nyika dzekunze dzakawanda dzakaratidza chido panyaya iyi zvekuti dzinogona kuvapa hupoteri, nokudaro vasungwa ava vane mukana mukuru wekutiza munyika.

Asi rimwe remagweta emadzaimai aya, VaJeremiah Bhamu, vaudza dare kuti mupurisa akasunga nhengo dzeMDC idzi, VaClifford Mugaviri, vari kunyepera dare vachiti vatatu ava vakatoudza mapurisa anoshanda naVaMugaviri kwavanogara pane imwe nyaya yavo iri mudare.

Vachipikisa danho ratorwa nevachuchisi, VaBamu vati vatatu ava vanokodzera kupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiwo sezvo vakatopihwa mukana uyu pane imwe nyaya yavo iri mumatare uye vakabatirwa magwaro avo ekufambisa nedare.

Vatatu vari kunzi vakanyepa apo vakataura kuti vainge vasungwa nemapurisa pa roadblock yemapurisa zvichitevera kuratidzira kwavakaita musi wa13 Chivabvu kuWarren Park.

Madzimai aya akasungwa nemusi weChitatu vari kumahofisi emagweta avo vachida kunosvitsa mapasipoti avo kudare sezvakatarwa nedare redzimhosva.