MDC-T Yoongorora Mashandiro eKanzuru yeHarare

  • Jonga Kandemiiri

Bato reMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti rave kuongorora mafambisirwo ari kuitwa zvinhu nekanzuru yeHarare. Bato iri rakanga riri muGweru svondo rapera richiongorora mafambisirwo ezvinhu muguta iri.

MDC-T ine hurongwa hwekuoongorora mashandiro ari kuita makanzuru ari kutungamirwa nebato iri munyika yose. Bato iri rinoti rakatora danho iri senzira yekuda kuburitsa pachena kwarinoti kupindira mukushanda kwemakanzuru kuri kuitwa negurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaIgnatius Chombo.

VaChombo vari kupomerwawo mhosva yekumisa basa makanzura eMDC-T akawanda vachivapomera mhosva yekuita zvehuwori. Ukuwo bato iri richipomerawo ivo VaChombo mhosva yekuona uswa huri muziso remumwe asi ivo ziso ravo riine zidanda.

MDC-T, iyo yakamboti iri kuda kuferefeta huori hunonzi huri kuitwa nemakanzura ayo, yava kuramba mashoko ekuti iri kunangana nemakanzura akaita upfumi hwakawanda munguva pfupi yavakapinda mumakanzuru.

Veruzhinji vanga vachiti izvi zviri kuburitsa pachena kuti bato rakapinda muhurumende richida kupedza huori rava kubatwa nehurimbo hwehuori.

Munyori wezvematunhu mubato iri, VaSesil Zvidzai, vanoti komiti yavo ichakomekedza kuvatungamiri vatatu vehurumende yemubatanidzwa ongororo yavo kuitira kuti vaishandise mukuona kuti VaChombo vaita basa ravo nemazvo.