Vechidiki veMDC T Voyambira VaMugabe Kuti Vasiye Basa Voga Izvozvi

  • Thomas Chiripasi

VaRobert Mugabe vachikwazisa madzishe kumugodhi weZimplats.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vapihwa kusvika kupera kwemwedzi unouya kuti vasiye basa sezvo vakundikana kutonga.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vapihwa kusvika kupera kwemwedzi unouya kuti vasiye basa sezvo vakundikana kutonga.

Chiziviso ichi chapihwa neMuvhuro nechidiki veMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Vechidiki ava vatiwo pachave nekuratidzira kwakakomba munyika yose mwedzi unouya waNyamavhuvhu.

Sachigaro weboka revechidiki mu MDC-T, VaHappymore Chidziva, vaudza vatori venhau pamuzinda webato ravo zvichitevera musangano waitwa nekomiti huru yeboka iri kuti VaMugabe vanofanira kusiya basa sezvo zvinhu zvaita manyama amire nerongo munyika.

VaChidziva vati munyika mungangoita kusagadzikana kana VaMugabe vasina kusiya basa panopera musi 31 Nyamavhuvhu vachiti sevechidiki vakazvipira kuona kuti ramangwana reveruzhinji ramira zvakanaka.

Kunyange hazvo mapurisa achiwanzorwisa vanhu vanoratidzira vachipikisana nehurumende, VaChidziva vati pari zvino mapurisa nemasoja ndivo vari kuvakurudzira kuratidzira sezvo zvinhu zvawoma munyika.

Zvichakadai, vanowona nezvekurongwa kwemisangano muboka revechidiki veZanu PF, VaInnocent Hamandishe, vakaudza vatsigiri vebato ravo svondo rapera kuti havasi kuzopeta mawoko vachisiya VaMugabe vachisvorwa nevemapato pamwe nemamwe masangano ari kupikisa hurumende yeZanu PF.

Studio 7 haina kukwanisa kutaura nemutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe divi rebato ravo padanho ratorwa neMDC-T rekuratidzira iri.

Zvichakadai, imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya, vati kunyange hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika, kubvisa VaMugabe nekuratidzira kunogona kunetsa.

Pane vemapoka akaita se #Thisflag neveTajamuka vari kukurudzirawo zvakare kuti veruzhinji vasimuke vachiratidzira kusafara kwavo nemamiriro akaita zvinhu munyika.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya ina Thomas Chiripasi