MDC-T Yoenderera neMisangano kuMashonaland West

  • Jonga Kandemiiri

Murongi wemisangano ye MDC-T, Nelson Chamisa

Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rinoti richaenderera mberi nekuita misangano yaro mudunhu reMashonaland West risingateveri kurudziro yemapurisa yekuti ritange rawana mvumo kubva kumadzishe, masabhuku pamwe nemakanzuru enzvimbo dzinenge dzichiitirwa misangano iyi.

Munyori anoona nezvekurongwa kwemisangano mubato iri, VaNelson Chamisa, vanoti danho riri kuda kutorwa nemapurisa iri rakamboedzwa nehurumende yaIan Smith munguva yehondo yeChimurenga asi yakakundikana kumisa shanduko.

VaChamisa vanoti vanozviziva kuti mapurisa ari kushandiswa nevamwe vari kuda kuona bato reMDC richibhaniwa mudunhu iri.

Svondo rapera mapurisa anonzi akanyorera hutungamiri hweMDC-T kuMashonaland West tsamba achihuzivisa kuti vaifanirwa kutanga vapiwa mvumo nemadzishe pamwe nemasabhuku yekuti vaite misangano yavo.

MDC-T inonzi yanga yakaronga kuita misangano kwaKazangarare, Kenzamba neMakonde mukupera kwesvondo.

Hatina kukwanisa kubata mapurisa mudunhu iri kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naVaNelson Chamisa