MDC Inoti VaBennett Vanofanirwa Kugadzwa seMutevedzeri weGurukota reKurima

  • Ntungamili Nkomo

MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai inoti inoda kuti mubati wayo wehomwe, VaRoy Bennett, vatoreswe mhiko kuti vatange basa ravo semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

VaBennett vakawanikwa masvondo maviri apfuura vasina mhosva yavanga vachipomerwa. Asi muchuchisi mukuru wehurumende, VaJohannes Tomana, vakati vari kupikisa mutongo uyu.

MDC inoti VaBennett vanofanirwa kutanga basa zvisinei nedanho rakatorwa naVaTomana iri. VaMugabe vakambenge vati vachagadza chete VaBennett kana vakawanika vasina mhosva.

Asi zvinonzi VaMugabe vava kutsika madziro. Nyaya iyi pamwe nedzimwe dziri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa, dzichataurwa pakati paVaMugabe, VaTsvangirai, uye mutungamiri wechimwe chikwata che MDC, VaArthur Mutambara, svondo rino.

VaTsvangirai vakanyorera VaMugabe vachivaudza nezvemusangano uyu, zvichitevera kugadzwa kwevatongi vematare naVaMugabe svondo rapfura, vasina kusuma vamwe vavo sezvinodiwa nechibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa.

Mutauriri weMDC yaVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo rinoda kuti VaBennett vagadzwe semutevedzeri wegurukota rezvekurima, uye havasi kuzobva pavamire sebato.