Apo chirwere checoronavirus chotanga kupararira kumamisha, mumiriri weMutasa Central mudare reparamende, VaTrevor Saruwaka, vari kuyambira kuti Zanu-PF ikasamira tsika yekuunganidza vanhu mumaruwa chirwere ichi chinogona kupararira zvakanyanya.
Bazi rezvehutano rakatozivisa kuti kune vanhu vana vari kumaruwa vabatwa nechirwere ichi, vatatu kuMhondoro Ngezi uye mumwe chete kwaMurewa.
Hurumende ichiri mushishi kuita ongororo yekuti coronavirus yakasvika sei munzvimbo mbiri idzi.
VaSaruwaka vari kupomera dzimwe nhengo dzeZanu-PF mudunhu ravo mhosva yekuunganidza vanhu uye kuita zvematongerwo enyika munyaya dzezvekudya mushure memisangan\o yavari kukokera iyi.
VaSaruvaka vanoti izvi zvichadzosera kumashure hurongwa hwehurumende hwekurwisa chirwere checoronavirus sezvo paine kurudziro yekuti vanhu vagare mudzimba vasingaungane.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe kuti tinzwe divi ravo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaTrevor Saruwaka
Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabata gurukota rinoona nezvevashandi nemagariro evanhu, Muzvinafundo Paul Mavima, avo vanoti handi chokwadi kuti pane zvematongerwo enyika zviri kuitwa munyaya dzekupa vanhu zvekudya vachiti igudziramukanwa revanhu veMDC.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naMuzvinafundo Paul Mavima