MDC Inoti Inoda Kuona Misaridzirwa Munhaurirano Ichigadziriswa Kutanga kwa2010

  • Jonga Kandemiiri

Bato reMDC inotungamirirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, rinoti rine shuviro yekuti misaridzirwa yose pazvinetswa zviri munhaurirano zvisina kukwanisa kupedzwa mugore ra2009, inge yapedzwa mukutanga kwegore ra2010, kuitira kuti hurumende ifambire mberi zvakanaka.

Mugwaro rekupeta gore ra2009 raburitswa nebato iri, MDC inoti nyaya dzekugadzwa kwemagavhuna ematunhu, kugadzwa kwaVaRoy Bennett semutewedzeri wegurukota rezvekurima, uye nyaya yagavhuna weRBZ pamwe nemuchuchisi mukuru wehurumende, ndidzo dzimwe dzenyaya dzinofanirwa kugadziriswa nekukasika.

Bato iri rinoti rinodawo kuona kuti nyaya dzehuwori muhurumende nemumakanzuru dzapedzwa, uye kuti shuviro huru ndeye kuti vose vakashungurudzwa uye kurasikirwa nemidziyo yavo musarudzo dzegore rapera, varipwe nehurumende senzira yekupodza maronda.

Mutauriri weMDC VaNelson Chamisa, vaudza Studio 7 kuti imwe nyaya yavanoda kuona inyaya yebumbiro remitemo idzva rinobva muvanhu. Vachipindura mashoko aburitswa neMDC, mutewedzeri wemutauriri weZanu PF, VaEphraim Masawi, vaudzawo Studio 7 kuti bato ravo harina zvinetswa zvakasarira, kunze kwenyaya yezvirango, iyo vati iri mumaoko eMDC yaVaTsvangirai.

Vati nyaya yekugadzwa kwagavhuna weRBZ pamwe nemuchuchisi mukuru wehurumende haisi kuzotaurwa nezvayo, sezvo vaviri ava vakagadzwa pasati paumbwa hurumende yemubatanidzwa.