MDC Yonetsana neHurumende neMari Inosvika Mabhiriyoni Gumi neZviuru Mazana Matanhatu eMadhora

  • Blessing Zulu

VaTendai Biti

Paita ropa rakaipa pakati pehurumende nevebato rinopikisa reMDC panyaya yemari inosvika mabhiriyoni gumi nezviuru mazana matanhatu zvemadhora yakashandiswa nemamwe mapazi ehurumende isiri mubhajeti uye pasina mvumo yedare reparamende sezvinotarisirwa kuitwa pamitemo yenyika.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakaunza kudare svondo rapera bhiri rinonzi Financial Adjustment Bill kuti dare iri ritambire kuti mari iyi itorwe sechikwereti chehurumende chinozobhadharwa nevanhu vose munyika kuburikidza nemitero.

Asi vaimbova gurukota rezvemari muhurumendfe yemubatananidzwa, VaTendai Biti, avo vanova nhengo yeMDCuye vari sachigaro wekomiti yedare reparamende inoona nezvekufambiswa kwemari dzehurumende, vanoti pane chikiribidi chiri kuitika sezvo pasina ari kuziva kuti mari yose iyi yakashandiswei.

Asi VaNcube,avo vatisina kukwanisa kubata panharembozha yavo, vanoti mutemo unovapa mvumo yekuenda kudare kana pakashandiswa mari isiri mubhajeti.

Imwe nhengo yeparamende yakazvimirira, VaTemba Mliswa, vanoti zviri kutaurwa naVaBiti hazvina kuipa asi zvinoda kuzeyiwa mudare reparamende kwete kuti vangorova bembera vachimborega kuuya kudare nebato ravo reMDC.

Nhengo yeZanu-PF vari muzvinabhizimisi, VaGilbert Muponda, vanoti zvakaitwa naVaNcube zvekuuya kuzosuma dare hazvina kuipa sezvo vati pamutemo gurukota rinogona kuita izvi.

Asi mukuru wesangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development kana kuti ZIMCODD, Muzvare Janet Zhou, vanoti zviri kuitwa izvi zvinodzosera nyika kumashure uye nemamiriro akaita zvinhu munyika havazive kuti chii chaizvo chakashandiswa mari iyi muzvipatara musina mishonga.

Vati sesangano vakagadzirira kuita hurukuro nenhengo dzedare reparamende nezvenyaya iyi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi,uye vachishanda nesangano ravana chipangamazano re Labor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanotiwo nyaya yekuti hurumende inoshandisa mari dzisiri mubhajeti inokanganisa zvirongwa zvose zvekumutsiridza hupfumi.

Nyaya yekuti hurumende inodya kudarika zvayakohwa yagara ichipa kuti zvinetse kudyidzana nemabhanga akaita saana International Monetary Fund neWorld Bank anoti izvi hazvifanire kuitwa.

Asi vehurumende vanoti vanoguma voita izvi nenyaya yekuomerwa nehupenyu zvichikonzerwa nezvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika.

Asi vakatemera zvirango vanoti zvakatemera vatungamiri vashoma vanotonga nedemo.

Your browser doesn’t support HTML5

Nyaya Ina Blessing Zulu