Kunetsana pakati peZimbabwe Electoral Commission, Zec, nemapato anopikisa kunyanya MDC Alliance panyaya yegwaro remazita evavhoti kana kuti voters roll, kuri kuenderera mberi.
MDC Alliance yakaburitsa mashoko kuvatori venhau neChitatu ichishora Zec zvikuru nemabatiro airi kuita nyaya yegwaro remazita evavhoti iri.
MDC Alliance yakashowawo mashoko asachigaro weZec, Amai Priscilla Chigumba, ekuti sarudzo hadzisi kuzoregwa kuitwa kunyange nyika ikandengendeka kana kuti gwaro remazita evavhoti risina kunyatsokwenenzverwa.
Amai Chigumba vakatiwo vanenge vasina kugutsikana vakasungunuka kuenda kumatare.
Vari kumirira mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, munyaya dzesarudzo, VaJameson Timba, vanotiwo kunyange hazvo Zec yakatopa gwaro remazita evavhoti iri kumuzinda weBritain muZimbabwe mukati memaawa maviri chete uye kuZesn mushure memaawa matanhatu, ivo vakanzi vachapihwa mukati memazuva maviri.
Pane kunetsanawo panyaya yekuti gwaro idzva rine mazita evanhu iri rinofanira kuve nemifananidzo yevanhu here sezvo pave kushandiswa michina yechizvino zvino kana kuti Biometric Voter Registration.
Zec inoti haisi kuzoburitsa gwaro rine mifananidzo yevanhu, asi MDC Alliance ichitiwo ndizvo zvinofanirwa kuitwa sezvo zviri izvo zviri mubumbiro remitemo yesarudzo.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro naVaJameson Timba