Muimbi wechidiki, Mbeu, uyo akabatsirwa zvakanyanya munyaya dzemumhanzi namushakabvu Oliver Tuku Mtukudzi anoti chido chake kuti azadzikise chishuwo chaTuku chekuendesa mberi nhaka yekuimba.
Mbeu anoti akadzidziswa kukwenya gitare naMtukudzi mbune sezvo iye chaaigona paakaenda paPakare Paye Arts Centre yaVaMtukudzi kuNorton, kushaura chete.
Pakare Paye Arts Centre inodzidzisa vaimbi nevamwe vanoita zvemitambo kukwenenzvera mabasa avo.
Mbeu anoti ikozvino ave kukwanisa kuridza zvakawanda kusanganisa mbira. Muimbi uyu ane nziyo dzakawanda kusanganisa Mavanga inobuda pachivhitivhiti chenhepfenyuro yeTrace Africa.
Gore rapera Mbeu akabura madambarefu maviri, Hatizvimirire rine nziyo gumi uye Hatikendenge rine nziyo gumi zvekare.
Mbeu akamboimbawo nedzimwe shasha munyaya dzemagitare kusanganisa Ringo Madhlingozi, Judith Sephuma, Siphokazi, Steve Dyer uye Kole wekuNigeria.
Mbeu anoti mimhanzi yake inowanikwa paFacebook peji yake, Mbeu & The Mhodzi Tribe Band, uye paYouTube.
Your browser doesn’t support HTML5
Hurukuro nemuimbi Mbeu
.