Mauto Anorova Mapurisa neVeruzhinji muHarare

Thabitha Khumalo

Masoja eZimbabwe National Army akaonekwa achirova mapurisa eZimbabwe Republic Police muHarare nemusi weChipiri.

Kurohwa kwemapurisa nemasoja uku kunonzi kwakatanga apo mumwe mupurisa akakanda zvipikiri pasi pemota yemasoja zvikatsamwisa masoja ayo akazotanga kufamba achirova mapurisa nevanhu muna First Street muHarare.

Nemusi weChitatu, paramende yeZimbabwe yakakurukura nyaya iyi apo yakabvunza gurukota rezvamauto, VaSidney Sekeramayi, kuti vaudze paramende kuti chinyi chakaitika.

Mumiriri weBulawayo East muparamende, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti vakabvunza VaSekeramayi kuti seyi masoja akabva kwavanogara achinopinda mukati mevanhu achirova vanhu vasina mhosva yavapara.

“Minister andiudza kuti anoda kuongorora nyaya yacho nekuti haasati ainzwisisa asi kana akaongorora achauya neufakazi kuparamende neyatinoti Ministrial Statement kuti atiudze kuti chinyi chakaitika,” vadaro Muzvare

“Asi taedza kuti hongu Ministrial Statement tinoida asi mapepa nhau abudisa nyaya iyoyi zvinoreva kuti ichokwadi asi VaSekeramayi vatsikatsika vachiti hongu vazvinzwa mumapepa asi vanoda kuti vatange vaongorora.”

Muzvare Khumalo vanoti vakaedza zvikuru kuwana tsananguro asi VaSekeramayi vakatsika madziro vachindandama kuratidza kuti havasi kuda kutaura nyaya yacho.

“Chokwadi chiripo ndechokuti vanhu chokwadi vanochiziva asi vari kuedza kuti vavige nyaya yacho kuti painozosvika kuparamende ‘dust rinenge ra settler’ zvokuti inenge yave nyaya isisina basa, vadaro Muzvare Khumalo”

Mapurisa matanhatu anonzi akakuvadzwa mukurohwa uku zvekuti vari muchipatara.

Studio7 yakaedzawo kunzwa zvakaitika kubva kune vanotaura vakamirira mauto emuZimbabwe, Lieutenant-Colonel Alphios Makotore, asi panguva yatakaenda pamhepo vakange vasina kupindura mibvunzo yedu.

Your browser doesn’t support HTML5

Hurukuro naMuzvare Thabitha Khumalo